Job 20

Zofari

1Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:

2“Ndangariro dzangu dzokutambudzika dzinondikurumidzisa kuti ndipindure
nokuti ndakanganisika kwazvo.
3Ndiri kunzwa kutsiura kunondizvidza,
uye kunzwisisa kwangu kunondikurudzira kuti ndipindure.

4“Zvirokwazvo unoziva zvazvakanga zvakaita kubva kare,
kubvira pakaiswa munhu panyika,
5kuti kufara kwavakaipa kupfupi,
mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku.
6Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga,
uye musoro wake uchindobata makore,
7achaparara nokusingaperi, setsvina yake pachake;
vaya vaichimbomuona vachati, ‘Aripiko?’
8Anobhururuka sokurota, haachawanikwizve,
adzingwa sechiratidzo chousiku.
9Ziso rakamuona harichazomuonazve;
nzvimbo yake haichazomuonazve.
10Vana vake vanofanira kutsvaka nyasha kuvarombo;
maoko ake chaiwo anofanira kudzorera pfuma yake.
11Simba roujaya rakazadza mapfupa ake
richaumburuka naye muguruva.

12“Kunyange chakaipa chichitapira mumukanwa,
uye achichiviga pasi porurimi rwake,
13kunyange asingagoni kuchiregedza
achichichengeta mumukanwa make,
14asi chokudya chake chichashanduka chikavava mudumbu make;
chichava uturu hwenyoka mukati make.
15Achapfira pasi upfumi hwaakamedza;
Mwari achaita kuti dumbu rake rizvirutse.
16Achasveta uturu hwenyoka;
mazino emvumbi achamuuraya.
17Haangafadzwi nehova,
idzo nzizi dzinoyerera uchi noruomba.
18Zvaakatamburira anofanira kuzvidzosazve zvisina kudyiwa;
haangafadzwi nezvaakawana pakutengesa kwake.
19Nokuti akamanikidza varombo akavasiya vava vachena;
akatora dzimba dzavasina chavanacho.

20“Zvirokwazvo haangamiri kubva pahavi yake;
haangazviponesi nepfuma yake.
21Hapana chaakasiyirwa kuti adye;
upfumi hwake hahungagari nokusingaperi.
22Pakati pezvakawanda zvake, kuremerwa nepfungwa kuchamukunda;
kuzara kwenjodzi kuchauya pamusoro pake.
23Paanenge agutsa dumbu rake,
Mwari achatuma kutsamwa kwake kunopisa pamusoro pake,
uye achanayisa kurova kwake pamusoro pake.
24Kunyange akatiza chombo chesimbi,
museve unopinza wendarira unomubaya.
25Anoudzura kubva kumusana kwake,
muromo wawo unovaima uchibva pachiropa chake.
Kutya kuzhinji kuchauya pamusoro pake;
26rima guru richavandira pfuma yake.
Moto usina anopfutidzira uchamupisa
uye uchaparadza zvichasara mutende rake.
27Matenga achaisa pachena mhaka yake;
nyika ichamumukira.
28Mafashamu achakukura imba yake,
mvura zhinji ichaerera pazuva rehasha dzaMwari.
29Aya ndiwo magumo anogoverwa vakaipa naMwari,
iyo nhaka yavakatemerwa naMwari.”
Copyright information for SnaBDSC